Mapisarema 124 (BDSC)
Pisarema 124
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
1Israeri ngaati
dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,
2dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu
patakarwiswa navanhu,
3apo kutsamwa kwavo kwakatimukira,
vangadai vakatimedza tiri vapenyu;
4mafashamu angadai akatifukidza,
mvura zhinji ingadai yakatikukura,
5mvura zhinji ine hasha
ingadai yakatirasira kure.
6Jehovha ngaarumbidzwe,
asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.
7Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi;
rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.
8Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,
Muiti wedenga nenyika.