Mapisarema 128 (BDSC)

Pisarema 128
Rwiyo rworwendo.
1Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,
vanofamba munzira dzake.
2Uchadya chibereko chokushanda kwako;
maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
3Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,
pakati peimba yako;
vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,
vakakomberedza tafura yako.
4Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,
anotya Jehovha.
5Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,
mazuva ose oupenyu hwenyu;
muone henyu kubudirira kweJerusarema,
6uye murarame kuti muone vana vavana venyu.
Rugare ngaruve pana Israeri.